Isaiah 53:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamanikidzwa, kunyange zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Shona 2009?
Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Akamanikidzwa, kunyangwe zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.