Isaiah 53:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakabviswa pakumanikidzwa nokutoŋgwa; kana ʋari ʋezero rake, ndianiko pakati paʋo wakaraŋgarira kuti wakagurwa akabviswa panyika yaʋapenyu? Wakarobga nokuɗa kwokuɗarika kwaʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaita zvokumumanikidza vakamupinza dare ndokumutora voenda naye. Ivo vechizvarwa chokwake pane akamboita hanya nazvo here zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu.
Shona 2009?
Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nokuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu.