Isaiah 53:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamupa bgiro bgake pamŋe cete naʋakaipa, akaʋa nomufumi pakufa kwake, kunyaŋge asina‐kuita cisakarurama, kunyeŋgera kusina‐kuwanikwa mumuromo make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamuitira guva rake mukati mavaipi, uyewo nomupfumi parufu rwake; kunyange zvazvo akanga asina utsinye hwaakanga aita, uye kunyange zvazvo unyengedzi pamuromo pake pakanga pasina.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamupa bwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyange asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.
Shona 2009?
Akaita bwiro bwake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamupa hwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyangwe asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.