Isaiah 54:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imba, iwe ŋgomŋa, iwe usino‐kuɓereka; imba kwaɀo, uimbise, iwe usino‐kumbosurumuka; nokuti ɀanzi naJehova: Ʋana ʋouri‐oga ʋazhinji kukunda ʋana ʋomukadzi wakawanikwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imba zvako iwe usina mbereko iwe usina kumbobereka denhura rumbo upururudze iwe usina kumborwadziwa napamuviri nokuti vana vako iwe wakasiyiwa vachawanda kupfuura vana veakaroorwa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka; imba kwazvo, uimbise, iwe usina kumbosununguka; nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vana voari oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.’
Shona 2009?
"Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba, udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa."Ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Imba, iwe ngomwa, iwe asina kubereka; imba kwazvo, uimbise, iwe asina kumbosununguka; nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vana voari oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.’