Isaiah 54:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti makomo aŋgabva, neɀikomo ɀiŋgabviswa, asi ʋunyoro bgaŋgu haʋuŋgabvi kwauri, suŋgano yaŋgu yorugare haiŋgabviswi — ndiɀo ɀinotaura Jehova unenyasha newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti makomo angabve zvawo paanenge ari, zvikomo zvikatozunguzika zvazvo; asi mwoyochena wangu kwauri iwe, hauzombobva uye chitenderano changu newe, chorugare, hachizombozunguziki ndizvo zviri kutaura Tenzi ane rudo newe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
Shona 2009?
Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.