Isaiah 54:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, iwe mutambudziki, wakazunuŋguswa neɗutu remhepo, usino‐kunyaradzwa, tarira, ndicaʋakira mabge ako namaʋara akanaka, ndicateya nheyo dzako namabge esafiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa, ndichakuvaka namabwe ana mavara, nheyo dzako namabwe esafiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nhai nyakuoneswa ndondo iwe wokutututswa nedutu remhepo iwe wakashaya anokunyaradza! Chiteerera unzwe ndichagadzikira nheyo dzako pamatombo anokosha eandimoni ndichikuvakira ugaro hwako wamatombo anokosha esafaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Haiwa, iwe mutambudziki, wakazununguswa nedutu remhepo, usinokunyaradzwa, tarira, ndichavakira mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
Shona 2009?
"Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa \add nedutu\add* remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako \add namabwe\add* esafiri.
Shona SUB 2002 Bible
“Haiwa, iwe mutambudziki, wakazununguswa nedutu remhepo, usino kunyaradzwa, tarira, ndichavakira mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.