Isaiah 54:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, kunyaŋge ʋakakuʋamba, haɀiŋgabvi kwandiri; aninani unokuʋamba ucaparadzwa nokuɗa kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita; ani naani anokurwisa achazvipira kwauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, kudenha vanhu vachakudenha, asi zvinenge zvisingabve kwandiri. Anenge adenhana newe uchamukandisa mapfumo pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, kunyange vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako.
Shona 2009?
Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, kunyangwe vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako.