Isaiah 54:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ndini ndakasika mupfuri unopfutidza mŋoto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira ɓasa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi anopfutidza mazimbe moto ugonganduma, uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo. Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa unzwe, kana dziri mhizha dzezvoutare izvi dzinovhutira moto wemazimbe nemvuto dzichipfura zvombo zvokurwisa nazvo zvokushandisa mabasa akasiyana-siyana, ndini ndakadzisika ndiniwo ndakasika marudzi anoparadza acho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, ndini ndakasika mupfuri anopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
Shona 2009?
Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto, ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, ndini ndakasika mupfuri anopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze.