Isaiah 54:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunenhumbi inoʋumbga kuzorwa newe iŋgaita cinhu; rurimi rumŋe norumŋe runokukwirira pakutoŋgwa, rucakundwa newe. Ndiyo nhaka yaʋaranda ʋaJehova, nokururama kwaʋo kunobva kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
Hakuna nhumbi \add yokurwa \add*inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo \add ndo\add*kwangu ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”