Isaiah 54:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usatya hako, nokuti hauŋganyadziswi; usakaŋganiswa, nokuti hauŋgaʋi nenyadzi; nokuti ucakaŋganwa kunyara kwoʋumhandara bgako, hauŋgazoraŋgariri kuɀidzwa kwoʋucirikadzi bgako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.
Shona 2009?
Usatya, nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakangamwa kunyara kohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kohuchirikadzi hwako.
Shona SUB 2002 Bible
Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.