Isaiah 54:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iɀi ɀakaita kwandiri se mvura zhinji yaNoa; nokuti seɀandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haiŋgazofukidzi ɀe nyika, saiɀoɀo ndakapika kuti handicazokutsamŋiri ɀe, kana kukutuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinodaro nokuti kwandiri ini, mazuva ano iwaya achaita semazuva aNowa andakatsidza kuti mafashamo aNowa haafaniri kuzombovazve panyika. Nokudaro ndinotsidza kuti handichazombokushatirirwazve kana kuzombokutsiudzazve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirazve, kana kukutuka.
Shona 2009?
Nokuti izvi zvakaita semvura yaNowa kwandiri; nokuti \add sezva\add*ndakapika kuti mvura yaNowa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNowa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNowa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirazve, kana kukutuka.