Isaiah 55:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mvura necando seɀaɀinoɓuruka ɀicibva kuɗeŋga, ɀisiŋgazodzokeri’ko, asi ɀinoɗiridza nyika, ɀiciiɓerekesa nokuituŋgisa maruʋa, icipa mudɀari mbeu, nomudyi ɀokudya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Semvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire nokubereka zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nokuti sezvinongoita mvura nechando kunaya zvichibva mudenga zvisingambodzokerako zvisina kudiridza nyika zvichiita kuti imerese nokutumbutsa, ichipa mbeu kuna anodyara nechokudya kuna anodya,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya;
Shona 2009?
"Nokuti mvura sezvainoburuka, nemagada echando zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mbewu, kumudzvari, nomudyi zvokudya,
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya;