Isaiah 55:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munoparadzireiko mari muciteŋga ɀisati ɀiri ɀokudya, neɀamakaɓatira muciteŋga ɀisiŋgagutisi? Nditererei ɀakanaka, mudye iɀo ɀakanaka, mŋeya yenyu ifare neɀakakora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chamunopedzera mari chiiko muchitenga zvisiri chokudya muchifondoka kushandira zvinhu zvisingagutse chii? Nyatsonditeererai mugodya zvakanaka mugozvibaya zvenyu nokudya zvakakora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nezvamakabatira muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora.
Shona 2009?
"Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba \add renyu\add* muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze muzvakakora.
Shona SUB 2002 Bible
“Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nezvamakabatira muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora.