Isaiah 55:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ucaɗana rudzi rwawakaŋga usiŋgaziʋi, norudzi rwakaŋga rusiŋgakuziʋi iwe rucamhanyira kwauri, nokuɗa kwaJehova Mŋari wako, nokwoMutȿene waIsraeri; nokuti iye wakakukudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzivi dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvamuchione muchadaidza dzindudzi dzavanhu dzamusingazive, ndudzi dzavanhu vasingakuzivei dzichamhanyidzana kwamuri, achadariso ndiTenzi, Mwari wako naiye Anoera weIsiraeri nokuti ndiye akupai mbiri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
Shona 2009?
Tarira, uchadana rudzi rwausingazivi, norudzi rwawakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakurumbidza.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.