Isaiah 55:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaipa ŋgaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama miraŋgariro yake; ŋgaadzokere kunaJehova, iye ucamunzwira nyasha, nokunaMŋari weɗu, nokuti ucakaŋganwira ɀikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakaipa ngaasiye nzira yake, asina kururama asiyane netwaanofunga, adzokere kuna Tenzi kuitira kuti amunzwire tsitsi, adzokere kuna Mwari wedu nokuti anomuregerera chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
Shona 2009?
Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira tsitsi, nokuna Mwari wedu, nokuti achakangamwira zvikuru.
Shona SUB 2002 Bible
Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.