Isaiah 56:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ceŋgetai kururamisa, muite ɀakarurama; nokuti ruponeso rwaŋgu rwoɗokuȿika, kururama kwaŋgu kworatidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Itai zvinhu noruenzaniso muite zvakarurama nokuti kukuponesai kwangu kwava kutosvika uye kukununurai kwangu kwava kutoratidzwa pachena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa.
Shona 2009?
Ndizvo zvinotaura Jehovha, "Chengetai mutongo, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwava pedo kusvika, uye kururama kwangu koratidzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodo kusvika, kururama kwangu kworatidzwa.