Isaiah 56:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutorwa wakanamatira Jehova, ŋgaarege kutaura aciti: Ɀirokwaɀo Jehova ucandiparadzanisa naʋanhu ʋake; nowakacekwa ŋgaarege kuti: Tarirai, ndiri muti wakawoma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugunun'una achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutorwa akazvibatanidza naTenzi ngaarege kuti, “Tenzi achakaronditsaura muvanhu vake,” uye muyuniki ngaarege kuti, “Pangu pano ndiri aniwo zvangu muti zvawo wakaoma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake;” nomuyuniki ngaarege kuti, “Tarirai, ndiri muti wakaoma.”
Shona 2009?
Usaregawo mwanakomana womutorwa akanamatira Jehovha, achitaura achiti, "Zvirokwazvo Jehovha akandiparadzanisa navanhu vake;" nowakachekwa ngaarege kuti, "Tarirai, ndiri muti wakaoma."
Shona SUB 2002 Bible
Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake;” nomuyuniki ngaarege kuti, “Tarirai, ndiri muti wakaoma.”