Isaiah 56:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe Jehova, unoʋuŋganidza ʋakadziŋgwa ʋaIsraeri, unoti: Ndicaʋuŋganidza ɀe ʋamŋe kwaari, pamŋe cete naʋake ʋakaʋuŋganidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, pamwe chete neavo vakatounganidzwa kare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari “Iye anounganidza vaIsiraeri vakadzingwa ini ndichaunganidza kwavari vamwewo vanhu vandinenge ndisina kuunganidza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri, anoti, ‘Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa.’ ”
Shona 2009?
Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri,anoti,`Ipapo ndichaunganidzazve \add vamwe\add* kwaari, pamusoro pavake vakaunganidzwa.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa VaIsiraeri, anoti, ‘Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa.’ ”