Isaiah 57:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
wakatya nokuvunduka aniko, ɀawareʋa nhema, ukasandiraŋgarira, nokuʋa nehanya? Ko ini handina‐kuramba ndinyerere ŋguʋa refu, ukasanditya here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka zvokuti wakazoreva nhema kwandiri, uye hauna kumbondirangarira kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako? Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara iwe ukasanditya here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kunyeba kwawakaita wawaitya ipapa ndiani uchitadza kundiyeuka kana kutombondifunga zvako? Handina kunyarara zvangu here kwenguva ndefu chaiyo, ndokusaka usisandityi nhai?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
Shona 2009?
Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
Shona SUB 2002 Bible
Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?