Isaiah 57:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana uciɗanidzira, aʋo ʋawakaʋuŋganidza, ŋgaʋakurwire; asi mhepo icaʋatora, mŋeya ucaʋabvisa ʋose; asi unoʋimba neni, nyika icaʋa yake, ucagara nhaka yegomo raŋgu dɀene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paunochemera rubatsiro, zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire! Mhepo ichazvikukura zvose, mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure. Asi munhu anondiita utiziro hwake achagara nhaka yenyika, uye gomo rangu dzvene richava rake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana woridza mhere iro zanzwe rako rezvifananidzo zvokunamata ngarikununure. Zvichatututswa nemhepo, zvichapupurutswa nemwando. Asi anopotera kwandiri ndiye achava muridzi wenyika, gomo rangu rinoera iri achiriita nhaka yake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
Shona 2009?
Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
Shona SUB 2002 Bible
Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.