Isaiah 57:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti handiŋgarwi nokusiŋgaperi, handiŋgatsamŋi ŋguʋa dzose; nokuti mŋeya uŋgapera simba pamberi paŋgu, nemŋeya yandakaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti handicharamba ndichingovapa mhosva kana kuramba ndakangovashatirirwa, nokuti kwandiri ini ndokunobva mweya, ndini ndakasika mweya wacho unofema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
Shona 2009?
Nokuti handingarwisi nokusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya unofanira kupera simba pamberi pangu, nemweya yandakaita.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.