Isaiah 57:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakaŋga ndakatsamŋa nokuɗa kwokuipa kwokuciʋa kwake, ndikamuroʋa; ndakaʋanza ciso caŋgu, ndikatsamŋa; akaramba aciŋgotsauka nenzira yakaɗa mŋoyo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pemhosva yoruchiva rwake uyu ndakashatirwa, ndikamurova ndikafuratira ndakashatirwa. Asi iye ndopaakatoomesa gotsi achiita zvake zvomusoro wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada mwoyo wake.
Shona 2009?
Nokuda kokuipa kokunyengera kwake, ndakatsamwisisa ndikamurova; ndakazvivanza, ndikatsamwisisa; akaenderera mberi nenzira yemoyo wake.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada mwoyo wake.