Isaiah 57:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakati pamabge anotedza omupata ndi’po panomugoʋe wako; iwo, iwo ndiɀo ɀawakagoʋerwa; ndiɀo ɀawakaɗururira cipiriso cinoɗururwa, ɀawakaʋigira cipo. Ko ini ndicayananiswa naiɀoɀo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chenyu imimi ihurungudo dzomubani. Ndidzo dzamunonamata. Kwandiri idzodzo ndidzo dzamunopira mupiro wokuteura muchiunzako mupiro wembesanwa. Ndozvingandinyevenutse mwoyo here izvozvo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
Shona 2009?
Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
Shona SUB 2002 Bible
Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo pano mugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?