Isaiah 57:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaisa ciraŋgaridzo cako shure kwemikoʋa neɀiʋiʋo, nokuti wakaɀifukurira mumŋe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoʋo dzako, ukaita suŋgano naʋo; wakaɗa nhoʋo dzaʋo kwawakadziwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuseri kwegonhi napagwatidziro wakazviisira chokuratidza nacho kuti undifuratire. Wakafugura uriri hwako ukakwira pahuri ukahukudza-kudza ukatozvitengesa zvako kwazviri ukatorwa mwoyo nouriri hwavo, ukatozviyeva zvako zviri mutwi kudaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivhivho, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhoo dzavo kwawakadziwana.
Shona 2009?
Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.
Shona SUB 2002 Bible
Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivhivho, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhoo dzavo kwawakadziwana.