Isaiah 57:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ukaenda kunamambo namafuta, ukawedzera ɀinonhuwira ɀako, ukatuma nhume dzako kure, ukaɀininipisa kuȿikira paSheori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munoenda imi kundonamata Moreki muina mafuta, muchivirikidza kuzora mafuta anonhuwirira; munotuma nhume dzenyu kure zvokuti vanotodzika kwazvo kunyange nokuNzvimbo yeVachakabvu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
Shona 2009?
Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuhwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
Shona SUB 2002 Bible
Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.