Isaiah 58:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ucidzora gumbo rako pazuʋa resaɓata, kuti urege kuita ɀaunoɗa pazuʋa raŋgu dɀene, uciti, saɓata izuʋa rinofadza, nezuʋa dɀene raJehova rinofanira kukudzwa, ucirikudza, usiŋgaiti ɀaunoɗa, kana kutȿaka ɀinokufadza, kana kutaura mashoko ako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana ukatsaukana neSabata worega kuita zvaunoda pazuva rangu rinoera, wava kuti Sabata, izuva rinofadza, uyewo wava kuti zuva rinoera raTenzi rinoremekedzeka, kana ukariremekedza usingaite zvomusoro wako uchiita zvaunoda uchidya zvako nyaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako;
Shona 2009?
"Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako.,
Shona SUB 2002 Bible
“Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako;