Isaiah 58:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo ucafarira Jehova kwaɀo; neni ndicakufambisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, ndicakugutisa nenhaka yaɓaɓa ʋako Jakobo, nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo Tenzi achava rufaro rwako, panyika ndichakuita kuti uve wapamusorosoro chaipo ndichiita kuti udye, nhaka yababa vako Jakobho nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”
Shona 2009?
Ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo."
Shona SUB 2002 Bible
ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha akataura izvozvo.”