Isaiah 58:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanonditȿaka zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋacifarira kuziʋa nzira dzaŋgu; ʋanokumbira kwandiri mirairo yakarurama, sorudzi runoita ɀakarurama, rusiŋgasiyi ɀakarairwa naMŋari waʋo; ʋanofarira kusweɗera kunaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvavo vachinditsvaga, vachinditsvaga zuva nezuva, vachidisisa kuziva makwara angu sokunge rudzi rwavanhu vanoita zvakarurama uye vasina kukanda pasi murao weni Mwari wavo; vanotodawo kuti ndivape mitemo yakarurama vachidisisa kwazvo kuuya padyo neni Mwari
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirairo yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.