Isaiah 58:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikoko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura here? Ndirero zuʋa munhu raanotambudza mŋeya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namaɗota pasi pake here? Iɀeɀo uŋgaɀiti ndiko kuɀinyima ɀokudya, nezuʋa rinoɗikanwa naJehova here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoku ndokutsanya kwandinoda here, musi wokuti munhu azvirereke? Kungorerekedza musoro pasi senhokwe here, kana kutora masaga nedota ozviita ndozvokuwarira? Ndokwamungati kutsanya ikoku uye kuti ndozuva rinofadza Mwari iroro?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?
Shona 2009?
Ndikoko kutsanya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kutsanya, nezuva rinodikamwa naJehovha here?
Shona SUB 2002 Bible