Isaiah 58:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura. hakuzakaɗai here, kuti musunuŋgure ɀisuŋgo ɀeɀakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, ʋuye kuti muvune majoko ose here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko kutsanya kwandinoda hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi nokukurura zvitirobho zvejoko nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa vagoenda zvavo nokutyorawo joko rose rose zvaro?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
Shona 2009?
"Ko kutsanya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
Shona SUB 2002 Bible
“Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?