Isaiah 58:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakuzi kuti ugoʋane ɀokudya ɀako nounenzara, ʋuye kuti uɗane ʋarombo ʋakadziŋgwa ʋapinde mumba mako here? Kuti kana uciʋona munhu wakashama umufukidze, ʋuye kuti urege kuʋanda ʋenyama yako here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noaenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
Shona 2009?
Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako neanenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
Shona SUB 2002 Bible
Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noane nzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?