Isaiah 58:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ciedza cako cicaɓuɗa secamambakwedza, kuporeswa kwako kucaɓukira nokukurumidza, kururama kwako kucakutuŋgamirira, nokubginya kwaJehova kucakurindira mumashure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
Shona 2009?
"Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.