Isaiah 59:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋacatya zita raJehova kubva kumaʋirazuʋa, noʋumambo bgake kubva kumabvazuʋa; nokuti ucaʋuya sorwizi runoɗira, runotinhwa nomŋeya waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vachatya zita raMwari kubva kumadokero, iyo mbiri yaMwari kubva kumabvazuva nokuti achauya sakakova kazere kanenge kachitututswa nemhepo yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
Shona 2009?
Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.