Isaiah 59:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ndirini, iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova: Mŋeya waŋgu, uri pamsoro pako, namashoko aŋgu andakaisa mumuromo mako, haɀiŋgabvi mumuromo mako, kana mumiromo yaʋana ʋako, kana mumiromo yaʋana ʋaʋana ʋako, kubva ɀino kuȿikira nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi anoti, “Kana ndirini, chitenderano changu navo ndechichi chokuti, Mweya wangu uri pauri namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvifaniri kumbobva pamuromo pako uye hazvifaniri kubva pamuromo pavana vako kana pamuromo pavana vavana vako kubvira zvino kusvikira narini wose,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo" ndizvo zvinotaura Jehovha, "Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi" ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi” ndizvo zvinotaura Jehovha.