Isaiah 59:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu unokwirira mumŋe nokururama, hakuna‐unoreʋerera mumŋe neɀokwaɗi; ʋanoʋimba neɀisinamaturo, ʋacireʋa nhema; ʋanotora mimba yeɀakashata, ndokuɓereka ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hapana anokwirira mumwe kumatare mhosva chaiyo yechokwadi, hapana anonyatsotevedza zviri pamurao. Vanovimba netwaanotaura tusina maturo vachireva nhema zvavo. Vanodyara misikanzwa vachizokohwa zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
Shona 2009?
Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.