Isaiah 59:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Matandira aʋo haaŋgaiti ŋguʋo, haʋaŋgafuki ɀaʋakaita; maɓasa aʋo maɓasa eɀakaipa, kuita nesimba ndiɀo ɀiri pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madandadzi avo iwayo haangamboshandiswa sembatya, vanhu havangambopfeka zvinenge zvarukwa nawo. Twavanobata ivo tunhu twouipi chete, mabasa avanobata namaoko avo ndeoutsinye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Matandira avo haangaiti nguo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
Shona 2009?
Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Matandira avo haangaiti nguo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.