Isaiah 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kodzai mŋoyo yaʋanhu aʋa, remedzai nzeʋe dzaʋo, tsinzinisai meso aʋo, kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, kana kunzwa nenzeʋe dzaʋo, kana kunzwisisa nemŋoyo yaʋo, ʋadzoke ʋapodzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino iwe chitosindimadza zvako vanhu ivava mwoyo utyorere zvimiti munzeve dzavo uvapfige maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.”
Shona 2009?
Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe."
Shona SUB 2002 Bible
Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.”