Isaiah 60:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Masuʋo ako acagara akazaruka ŋguʋa dzose, haaŋgazarirwi masikati noʋusiku, kuti ʋaʋuyise kwauri fuma yamarudzi aʋanhu namadzimambo aʋo, akatapxa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Misuo mikuru yako ichangogara yakazaruka siku nesikati, kuzarirwa isingazarirwi kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu kwauri noupfumi hwevechirudzi, vachitungamirirwa namadzimambo avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
Shona 2009?
Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
Shona SUB 2002 Bible
Masuwo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.