Isaiah 60:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinoitwa nesimba haɀicazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako; asi ucatumidza maȿiŋgo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuʋo ako Rumbidzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuita nechisimba hakuchazonzwikwi munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Manyongori haachazombonzwikizve munyika mako. Umharadzi nokuparadza kwose hazvichazombonzwikizve munyika yakatenderedzwa nemiganhu yako. Tsvingo dzako uchadzitumidza zita rokuti Ruponeso, misuo mikuru yako zita rokuti Kurumbidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, “Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo.”
Shona 2009?
Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, "Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganhu yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, “Ruponeso, namasuwo ako Rumbidzo.”