Isaiah 60:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋako ʋose ʋacaʋa ʋakarurama, ʋacagara nhaka yenyika nokusiŋgaperi, ʋacaʋa ɗaʋi randakasima, neɓasa ramaʋoko aŋgu, kuti ndikudzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vako vose zvavo vachave vakarurama, nyika ichava yavo nokusingaperi, ivo bukira rangu randakasima namaoko angu kuti ndigorumbidzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
Shona 2009?
Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.