Isaiah 60:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Riŋgira kwose‐kwose nameso ako, uʋone: ʋose ʋanoʋuŋgana pamŋe cete, ʋaciʋuya kwauri; ʋanakomana ʋako ʋacaʋuya ʋacibva kure, ʋakunda ʋako ʋacaɓerekwa pahudyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simudzai musoro mutarise uku nokuku muone, vose vari kuunganidzana vari kuuya kwauri, vanakomana vako vari kuuya vachibva kure, vanasikana vako vakaita zvokutakurwa mumaoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ringira kwose-kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.
Shona 2009?
Simudza meso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vacharerwa pahudyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ringira kwose–kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.