Isaiah 60:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀicandimirira, neɀikepe ɀeTarshishi ɀicatuŋgamira ɀiciʋuya naʋanakomana ʋako ʋanobva kure, ʋaciʋuya nesirveri yaʋo nendarama yaʋo kuɀiisa kuzita raJehova Mŋari wako, nokunoMutȿene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushoŋgedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTashishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokuno Mutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.