Isaiah 61:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicafarira Jehova kwaɀo, mŋeya waŋgu ucaʋa nomufaro munaMŋari waŋgu; nokuti wakandifukidza ŋguʋo dzoruponeso, wakandipfekedza cokufuka cokururama, secikomba cinoshoŋga korona, ʋuye somŋeŋga unoɀishoŋgedza noʋukomba bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari wangu nokuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso, akandifukidza nehanzu dzokururama sokuzvipfekedza kunoita murume anenge achichata uye sokuzvishongedza nezvishongo kunoita musikana ari kuchata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
Shona 2009?
Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.