Isaiah 61:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti nyika seɀainoɓuɗisa miti yayo, nomunda seɀaunomeresa ɀakadɀarwa’mo, saiɀoɀo Ishe Jehova ucameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvinongoita nyika inomeresa mabukira, uye sezvinongoitawo bindu kumeresa zvinenge zvadyarwamo ndizvozvowo zvinoita Tenzi Mwari, anoita kuti ururami nomukurumbira zvitungire, marudzi ese zvawo evanhu achiona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
Shona 2009?
Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.