Isaiah 61:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ndigadzirire ʋanocema paZioni ʋapiwe korona panɀimbo yamaɗota, mafuta omufaro panɀimbo yokucema, neŋguʋo yokurumbidza panɀimbo yomŋeya waziya; kuti ʋanzi miti yokururama, cakasimŋa caJehova, kuti iye akudzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti ndigadzire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
Shona 2009?
kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
Shona SUB 2002 Bible
kuti ndigadzire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.