Isaiah 61:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋacaʋaka matoŋgo akare, ʋacamutsa ɀe nɀimbo dzakaparadzwa dzokutaŋga, ʋacagadzira maguta akaŋga aitwa matoŋgo, ɀakaparadzwa ɀamarudzi namarudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwamarudzi namarudzi akapfuura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachavakazve pamatongo akare vachamutsurudza zvinhu zviya zvakanga zvati pasi mbombombo. Vachagadziridzazve maguta akanga aparadzwa akanga aita matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
Shona 2009?
Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.