Isaiah 61:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Panɀimbo yokunyadziswa kwenyu, mucapiwa migoʋe miʋiri; panɀimbo yokushoʋorwa ʋacafarira mugoʋe waʋo; naiɀoɀo panyika yaʋo ʋacaʋa nemigoʋe miʋiri, ʋacaʋa nomufaro usiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panze pokuti munyare muchatopiwa mugove wakapetwa, kaviri. Panze pokunyadziswa muchafara nomugove wenyu. Naizvozvo munyika menyu imomo mugove wakapetwa kaviri uchange uri wenyu chenyu imi chichava rufaro rwokugara nokugara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
Shona 2009?
Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.