Isaiah 62:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, Jehova wakaparidza shoko kuȿikira kumugumo wenyika, aciti: Ʋudzai mukunda weZioni, muti: Tarira, ruponeso rwako runoʋuya; tarira, muɓairo wake unawo, ɀaanoripira ɀiri pamberi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Teererai munzwe, Tenzi ari kuzivisa vanhu kusvikira kwakaperera nyika. Itii kuguta reZioni, “Tarisai muone, ruponeso rwenyu rwava kusvika. Tarisai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, “Udzai mukunda waZioni, muti, ‘Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.’ ”
Shona 2009?
Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, "Udzai mukunda weZiyoni, muti, `Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.' "
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, “Udzai mukunda waZioni, muti, ‘Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubairo wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.’ ”