Isaiah 63:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muri Ƃaɓa ʋeɗu, kunyaŋge Abrahama asiŋgatiziʋi, naIsraeri asiŋgatiziʋururi; imi Jehova muri Ƃaɓa ʋeɗu; Mudzikinuri weɗu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga ndimi baba wedu wani kunyange Abhurahamu asingatizivi uye kunyange zvazvo Isiraeri, asingatitore sevana vake, imi Tenzi ndimi Baba vedu, Mununuri wedu, kubvira kare nakare, iroro ndiro zita renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
Shona 2009?
Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imwi Jehovha muri baba vedu, Mudzikunuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti muri baba vedu, kunyangwe Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.