Isaiah 63:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndakatsika ciȿiniro cewaini ndoga; kwakaŋga kusinomunhu wamarudzi aʋanhu waiʋa neni; ɀirokwaɀo, ndakaʋatsika pakutsamŋa kwaŋgu, ndakaʋapxanya pahasha dzaŋgu; ropa roʋupenyu bgaʋo rikatsatikira paŋguʋo dzaŋgu, ndikaȿiɓisa ɀokufuka ɀaŋgu ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi nehasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndasvina ndoga waini muchisviniro, pasina mumwe wavanhu aiva neni. Ndakavatsika-tsika ini nehasha ndichivatsokodzera ndakashatirwa; ropa ravo rinovararamisa rakadeukira pahanzu dzangu, ndokusaka mbatya dzangu dzose dzatsvuka ropa kudai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
Shona 2009?
"Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
Shona SUB 2002 Bible
“Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.